‘Koshesai mitauro yemuno’
Daphne
Machiri
MUNYORI
wemabhuku achiri kusimukira, Lazarus Sauti, anoti zvakakosha kuti veruzhinji
vakoshese tsika nemagariro pamwe nemitauro yemuZimbabwe.
Muhurukuro
neKwayedza, Sauti anoti akatanga kunyora mabhuku nedonzvo rekusimudzira rurimi
rwaamai.
“Mitauro
yedu yemuno iri kufa nekuti vanhu vazhinji havachina hanya nekuitaura,
kuinyora, kuiverenga kana kuichengetedza. Izvi ndizvo zvakandituma kuti
ndinyore bhuku rangu rinonzi ‘Nei?” anodaro.
Anoti
bhuku rake musanganiswa wenhetembo nenyaya pfupi uye riri pamusoro pezvinhu
zvakawanda zvinoitika mumagariro evanhu.
“Nei?
ibhuku rine nhetembo makumi maviri nenomwe pamwe chete nenyaya pfupi shanu.
Rinodonongodza zviri kuitika munyika yedu,” anodaro.
Upenyu
hwemunhu huzere mibvunzo saka imwe neimwe nhetembo mubvunzo kunyika nevanhu
zvinova zvimwe chete nenyaya pfupi dziri mubhuku iri,” anodaro Sauti.
Bhuku
rake, anodaro Sauti, riripo zvakare pakudzidzisa vanhu kuti vasaite zvinhu
zvinovasiya vari mumatambudziko.
“Pane
zvinhu zvakawanda zviri kuitwa nevanhu mazuva ano zvinovasiya vari munjodzi.
Vamwe vari kufarira kuita huori zviri kuita kuti vapedzisire vasungwa uye vamwe
vari kupinda-pinda zviri kukonzeresa zvirwere zvepabonde. Saka bhuku iri riripo
kubvunza kuti nei vanhu vari kuda kuita zvinhu zvinovasiya vava mumatambudziko
anozovanetsa pamwe nemhuri dzavo,” anodaro.
Anoenderera
mberi achiti nyaya yemabhidhiri yevamwe vanhu vari kutengwa nemaporofita
nen’anga kuti vapupure zvemanyepo yakamutuma kunyora nhetembo inonzi Hii!
“Vamwe
vanhu vari kubhadharwa kuti vapupure manyepo nen’anga nemaporofita. Munyaya
pfupi inonzi ‘Ndaibhadharirwa Kufambisa Minana’ tinoona Muzvare Delight
Munjanja achipupura kuti mamwe maporofita ari kushandisa mari kuti vanhu
vapupure zvemanyepo. Chinangwa chemaporofita aya kutsvaga mbiri yepano pasi
chete,” anodaro Sauti.
“Bhuku
iri rinotsanangura zvakare kuraswa kwave kuitwa tsika nechivanhu chedu isu
vechitema mazuva ano,” anodaro.
Muchinda
uyu anokurudzirawo vamwe vanyori vemabhuku pamwe chete nevemitambo kuti
vakoshese mitauro yemuZimbabwe inocherechedzwa mubumbiro remutemo wenyika iyo
inosanganisira Shona, Ndebele, Chewa, Chibarwe, Kalanga, Koisan, Venda, Nambya,
Shangani, Tonga neNdau.
“Mutauro
waamai inhaka isingaperi, unotakura nekuchengetedza tsika dzedu,” anodaro.
Comments
Post a Comment